VaTsvangirai vanoti hapana chakaipa kuti veruzhinji vapihwe mwedzi mumwe chete wekuzeye gwaro rebumbiro idzva remitemo yenyika pasati paitwa referendamu.
Musangano wemadzishe wepagore watanga neChina kuMasvingo mukuru wemadzishe, Ishe Fortune Charumbira, vachiti madzishe anofanirwa kutsigira bumbiro idzva pareferendamu.
Nyanzvi munyaya dzemitemo dziri kupesana zvikuru pamanyorerwo akaitwa gwaro rebumbiro idzva remitemo yenyika, vamwe vachiti chikamu chinobata nyaya yeminda, hachina kunyorwa zvakanaka.
Gurukota rinoona nezvemari, VaTendai Biti, pamwe negurukota rinoona nezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vazivisa kuti vari mubishi rekuyedza kudzikisa bhajeti yemari yereferendamu nesarudzo.
No records found for this widget:2637