Sachigaro veApex Council, VaDavid Dzatsunga, vati vasvitsa tsamba yekuzivisa nezvedanho iri kumahofisi egurukota rezvevashandi vehurumende, Amai Lucia Matibenga masikati.
Mutungamiri weSouth Africa, uye vari mutongi gava pagakava remuZimbabwe, VaJacob Zuma, vatumira nhumwa dzavo mbiri, Muzvare Lindiwe Zulu naVaMarc Maharaj, kuti dzizoyedza kukurudzira mapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa kuti achipeta nyaya yebumbiro idzva remitemo yenyika.
Vanowona nezvekurongwa kwemisangano muMDC-T, VaNelson Chamisa, vashora kusungwa kwaitwa vaviri ava vachiti kusungwa-sungwa kuri kuitwa vatungamiri vebato ravo munzvimbo dzakasiyana siyana kuedza kuri kuitwa ne Zanu PF kuvhiringidza bato ravo pamberi pesarudzo dzinonzi nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, dzinofanirwa kuitwa gore rinouya.
Kanzuru yeguta reHarare yawedzera mapurisa ainayo nemazana maviri kuitira kuti mapurisa aya afambise chirongwa chekuchenesa guta kuburikidza nekubvisa dzimotokari dzisina mvumo yekutakura vanhu muguta.
Vakomana veZimbabwe Warriors vatanga gadziriro yemutambo mukuru ne Angola uyo uchatambwa neSvondo.
No records found for this widget:2651